Jobho 1:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwira nokudzika mairi.”

8. Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.”

9. Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here?

Jobho 1