Jeremia 9:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.

2. Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka.

3. “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.

Jeremia 9