Jeremia 8:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. “Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.”

21. Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.

22. Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?

Jeremia 8