18. Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu, mwoyo wangu woziya mukati mangu.
19. Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
20. “Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.”
21. Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.
22. Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?