Jeremia 51:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. “Tizai mubve muBhabhironi! Mhanyai noupenyu hwenyu! Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro. Inguva yokutsiva kwaJehovha; iye achariripira zvarinokodzera.

7. Bhabhironi akanga ari mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha; akadhakisa nyika yose. Ndudzi dzakanwa waini yaro; naizvozvo dzava kupenga.

8. Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka. Ungudzai pamusoro paro! Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro, zvimwe ringaporeswa.

9. “ ‘Taida kuporesa Bhabhironi, asi haringaporeswi; ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake, nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga, kunokwira kusvikira kumakore.’

10. “ ‘Jehovha haana kuti tine mhosva; uyai, tiparidze muZioni zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’

Jeremia 51