Jeremia 48:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Mirai panzira mutarire, imi vagari vemuAroeri. Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka, uvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’

20. Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa. Ungudzai uye muridze mhere! Zvizivisei paArinoni kuti Moabhu yaparadzwa.

21. Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira, kuHoroni, neJahaza neMefaati,

22. KuDhibhoni, neNebho neBheti Dhibhirataimu,

23. kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,

Jeremia 48