9. “Tora mabwe makuru uavige mudhaka pakati pezvitinha panopindwa napo kumuzinda waFaro uri paTapanesi, vaJudha vakatarisa.
10. Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndichatuma shoko kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye ndichaisa chigaro chake choushe pamusoro pamabwe aya andaviga pano; achatambanudza denga rake roushe pamusoro pawo.
11. Achauya agorwisa Ijipiti, achivigira rufu kuna avo vakatongerwa rufu, kutapwa kuna vakatongerwa utapwa, nomunondo kuna avo vakatongerwa munondo.
12. Achapisa temberi dzavamwari veIjipiti; achapisa temberi dzavo agotapa vamwari vavo. Sokumonera kunoita mufudzi nguo yake, saizvozvo achamonera nyika yeIjipiti agobvako asina vanga.