Jeremia 31:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

25. Ndichasimbisa vanenge vaneta nokugutsa vanenge vaziya.”

26. Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.

27. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.

28. Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, nokuwisira pasi, nokuparadza, nokuuyisa njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake nokusima,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 31