Jeremia 30:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Zvanzi naJehovha, ‘Takanzwa kuchema kunovhundusa nekwokutya, kwete kworugare.

6. Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe, nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi worwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?

7. Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! hakuna richafanana naro. Ichava nguva yokutambudzika yaJakobho, asi iye achaponeswa pairi.

8. “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.

Jeremia 30