20. Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
21. Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
22. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.”“Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
23. Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.