Jeremia 29:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vasara pakati pavatapwa, navaprista, navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa muutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema.

2. (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.)

3. Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:

4. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa muutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema,

5. “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.

6. Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.

Jeremia 29