Jeremia 28:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ipapo muprofita Jeremia akati kuna Hanania muprofita, “Chinzwa, Hanania! Jehovha haana kukutuma iwe, asi wakanyengerera rudzi urwu kuti ruvimbe nenhema dzako.

16. Naizvozvo, zvanzi naJehovha, ‘Ndava pedyo nokukubvisa pamusoro penyika. Gore iro rino chairo uchafa, nokuti wakaparidza zvinomukira Jehovha.’ ”

17. Mumwedzi wechinomwe wegore racho iroro, muprofita Hanania akafa.

Jeremia 28