1. Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, mugore rechina, nomwedzi wechishanu wegore racho iroro, muprofita Hanania mwanakomana waAzuri, aibva kuGibheoni, akati kwandiri tiri mumba yaJehovha pamberi pavaprista navanhu vose,
2. “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.
3. Makore maviri asati apera, ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha yakanga yatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva kuno akaiendesa kuBhabhironi.
4. Ndichadzosazve kunzvimbo ino Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha navose vakatapwa kubva kuJudha, vakaenda kuBhabhironi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.’ ”
5. Ipapo muprofita Jeremia akapindura muprofita Hanania pamberi pavaprista navanhu vose vakanga vamire muimba yaJehovha.