Jeremia 27:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofiterai nhema.

17. Regai kuvateerera. Shandirai mambo weBhabhironi, mugorarama. Guta rino richaitireiko dongo?

18. Kana vari vaprofita uye vane shoko raJehovha ngavakumbirise kuna Jehovha, Wamasimba Ose kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nomumuzinda wamambo weJudha neJerusarema irege kutakurwa ichiendeswa kuBhabhironi.

19. Nokuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose pamusoro pembiru, neGungwa, napamusoro pezvigadziko zvinofambiswa nemimwe midziyo yakasara muguta rino,

20. zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi paakatapa Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha kubva kuJerusarema achimuendesa kuBhabhironi.

Jeremia 27