4. Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
5. “Mazuva achauya, ndizvo zvinotaura Jehovha, pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.
6. Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.
7. “Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’