7. “ ‘Ndichaparadza urongwa hwaJudha naJerusarema munzvimbo ino. Ndichavawisira pasi nomunondo pamberi pavavengi vavo, pamaoko avanotsvaka kuvauraya, uye ndichapa zvitunha zvavo sezvokudya kushiri dzedenga nezvikara zvenyika.
8. Ndichaparadza guta rino nokuriita chinhu chinosekwa; vose vanopfuura napo vachashamiswa nokurihomera nokuda kwemaronda aro ose.
9. Ndichaita kuti vadye nyama yavanakomana vavo neyavanasikana vavo, uye nyama yomumwe nomumwe wavo panguva yokurema kwokukombwa kunenge kwaiswa pamusoro pavo navavengi vavo vanotsvaka kuvauraya.’
10. “Ipapo uputse chirongo vaya vanoenda newe vakatarisa,
11. ugoti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: Ndichaputsa rudzi urwu neguta rino sokuputsika kwechirongo chemuumbi wehari uye hachingagoni kugadzirwazve. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.