1. Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka?
2. Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo.
3. Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu. Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa! Muvagadzirire zuva rokubayiwa.
4. Nyika ichasvika riniko yakangooma nebundo resango rakangosvava? Nokuti vose vanogaramo vakaipa, mhuka neshiri zvaparara. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti, “Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.”
5. Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka, uye vakakunetesa ungagokwikwidzana sei namabhiza? Kana uchigumburwa panyika yakanaka, ungagara seiko mumatenhere eJorodhani?