Jeremia 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri.

2. Zvanzi naJehovha, “Regai kudzidza tsika dzendudzi kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo.

3. Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo.

4. Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka.

5. Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura; zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai, uye hazvina nebasa rose.”

Jeremia 10