Isaya 7:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi zvanzi naIshe Jehovha,“ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki, nokuti musoro weAramu iDhamasiko,

8. uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.

9. Musoro weEfuremu iSamaria, uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi. Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako, hauchazomiri zvachose.’ ”

10. Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati,

11. “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.”

12. Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”

Isaya 7