17. Haiwa Jehovha, munotiregerereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
18. Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene, asi zvino vavengi vedu vakatsikira pasi nzvimbo yenyu tsvene.
19. Isu tiri venyu kubva kare; asi ivo hamuna kumbovatonga, havana kumbodaidzwa nezita renyu.