2. Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.
3. Vanoti, ‘Takatsanyireiko, uye imi mukasazviona? Takazvininipisireiko, imi mukasazviona?’“Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda muchimanikidza vashandi venyu.
4. Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga, uye kurovana netsiva dzakaipisisa. Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano, mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.