Isaya 57:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida.

18. Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,

19. ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri. Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”

20. Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka, risingagoni kuzorora, rina mafungu anorasa marara namatope.

21. Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”

Isaya 57