Isaya 49:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. “Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi!

16. Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu.

17. Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure, uye vose vaikuparadza vachabva kwauri.

18. Simudza meso ako utarise kwose kwose; vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri.” Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha,“uchavafuka vose sezvishongo: uchavapfeka, somwenga.

19. “Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure.

Isaya 49