Isaya 46:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.

9. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.

Isaya 46