Isaya 45:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni.

24. Vachati pamusoro pangu, ‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’ ” Vose vakamutsamwira vachauya kwaari uye vachanyadziswa.

25. Asi rudzi rwose rwaIsraeri ruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara.

Isaya 45