1. Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
2. Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.
3. Inzwi rounodanidzira achiti, āGadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje.
4. Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.