Isaya 28:28-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa; saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi. Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi.

29. Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose, anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.

Isaya 28