Isaya 27:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”

6. Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero,

7. Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?

Isaya 27