Isaya 25:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira vanhu vose mutambo wezvakakora, namabiko ewaini yakare, nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka.

7. Pamusoro pegomo iri, achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose, mucheka unofukidza ndudzi dzose;

8. iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazvose zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose.Jehovha ataura.

9. Pazuva iro vachati,“Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye; ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.”

10. Ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri, asi Moabhu achatsikwa-tsikwa pasi pake, samashanga anotsikwa-tsikwa mumupfudze.

11. Vachatambanudza maoko avo mariri, somushambiri anotambanudza maoko ake kuti ashambire. Mwari achaderedza kuzvikudza kwavo, kunyange vachigona kuita zvakanaka namaoko avo,

12. Achakoromora nhare yako yamasvingo akakwirira agoaputsira pasi; achaakoromorera pasi, muguruva chaimo,

Isaya 25