Isaya 2:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha.

6. Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko navahedheni.

7. Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi.

8. Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.

9. Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira.

10. Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake!

Isaya 2