Isaya 19:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo.

20. Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura.

21. Saka Jehovha achazvizivisa kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha nokudzichengeta.

Isaya 19