6. Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango; shiri dzichazvidya chirimo chose, uye zvikara zvesango zvichazvidya muchando chose.
7. Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.