9. Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.
10. Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako. Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa, uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,
11. kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure, ugoita kuti ive namaruva, asi mukohwo uchava sapasina pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.