18. Uta hwavo huchabaya majaya; havazovi nengoni navacheche kana kutarira vana netsitsi.
19. Zvino Bhabhironi rembiri paumambo, kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi, richaparadzwa naMwari kufanana neSodhomu neGomora.
20. Haringatongogarwizve navanhu hakuna vakatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko, hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko.
21. Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko, makava achazadza dzimba dzavo; mazizi achagara ikoko, uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka.
22. Mapere achachema ari munhare dzavo, makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo. Nguva yake yaswedera, uye mazuva aro haazowedzerwi.