14. Semhara inovhimwa, samakwai asina mufudzi, mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.
15. Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa, vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.
16. Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona; dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.
17. Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia vasina hanya nesirivha, uye vasingafariri goridhe.
18. Uta hwavo huchabaya majaya; havazovi nengoni navacheche kana kutarira vana netsitsi.
19. Zvino Bhabhironi rembiri paumambo, kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi, richaparadzwa naMwari kufanana neSodhomu neGomora.
20. Haringatongogarwizve navanhu hakuna vakatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko, hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko.
21. Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko, makava achazadza dzimba dzavo; mazizi achagara ikoko, uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka.