Hosea 13:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.

4. “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.

5. Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.

6. Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.

Hosea 13