3. Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.
4. “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.
5. Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.
6. Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.
7. Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada,
8. Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovatsemura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura.
9. “Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.
10. Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?
11. Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo, uye muhasha dzangu ndakamubvisa.