Hosea 12:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Jakobho akatizira kunyika yeAramu; Israeri akashandira kuti awane mukadzi, uye kuti amuwane akafudza makwai.

13. Jehovha akashandisa muprofita kuti abudise Israeri kubva muIjipiti, nomuprofita akavachengeta.

14. Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa; Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.

Hosea 12