Hosea 10:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange dai taiva namambo, angadai akatiitireiko?”

4. Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.

5. Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.

6. Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.

7. Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura.

8. Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”

Hosea 10