Hosea 10:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa.

2. Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa.

3. Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange dai taiva namambo, angadai akatiitireiko?”

4. Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.

5. Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.

6. Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.

7. Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura.

8. Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”

9. “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, uye ukarambirapo. Hondo haina kukunda vaiti vezvakaipa paGibhea here?

Hosea 10