Genesisi 8:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera.

2. Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga.

3. Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika,

4. uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati.

5. Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa.

6. Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka,

7. uye akatuma gunguo, uye rakaramba rechibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika.

8. Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika.

Genesisi 8