Genesisi 5:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.

15. Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi.

16. Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

17. Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.

Genesisi 5