Genesisi 35:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.”

4. Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo uye nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifusira pasi pomuouki weShekemu.

5. Ipapo vakasimuka, uye kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera.

6. Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani.

7. Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.

8. Zvino Dhebhora, mureri waRabheka, akafa uye akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti.

9. Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza.

Genesisi 35