22. Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri:
23. Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni.
24. Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBenjamini.
25. Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari.