Genesisi 35:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri:

23. Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni.

24. Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBenjamini.

25. Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari.

Genesisi 35