Genesisi 31:45-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru.

46. Iye akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi.

47. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi.

Genesisi 31