13. Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino uye udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ”
14. Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here?
15. Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose.
16. Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndezvedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.”
17. Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera,
18. uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani.
19. Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake.
20. Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda.
21. Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi.
22. Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza.