Genesisi 24:53-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

53. Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka uye akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.

54. Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya uye vakanwa, uye vakanwa usiku uho.Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.”

55. Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.”

56. Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.”

57. Ipapo vakati kwandiri, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.”

58. Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?”Iye akati, “Ndichaenda.”

59. Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake.

60. Uye vakaropafadza Rabheka vakati,“Iwe hanzvadzi yedu, uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.”

61. Ipapo Rabheka navasikana vake vakagadzirira uye vakatasva ngamera dzavo vakaenda nomurume uya. Saka muranda akatora Rabheka akabva aenda.

62. Zvino Isaka akanga achibva kuBheeri Rahai Roi, nokuti akanga achigara kuNegevhi.

Genesisi 24