Genesisi 13:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kusvikira asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare

4. uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.

5. Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende.

6. Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete.

Genesisi 13