Genesisi 11:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”

8. Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.

9. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.

10. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi.

11. Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana.

12. Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera.

13. Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

14. Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri.

15. Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

16. Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Perezi.

17. Uye shure kwokubereka kwake Perezi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

Genesisi 11