Genesisi 11:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Uye shure kwokubereka kwake Perezi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

18. Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu.

19. Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

20. Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi.

21. Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

22. Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori.

23. Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

24. Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera.

25. Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

26. Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani.

Genesisi 11